Jeremiah (44/52)  

1. Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, `Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo,
3. nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imi kana madzibaba enyu.'
4. Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, `Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.'
5. Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.
6. "Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
7. "Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, `Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
8. zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
9. Makanganwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?'
10. "Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezvirevo zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
11. "Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, `Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose.
12. Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
13. Nokuti ndicharova vagere munyika yeIjipiti, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa;
14. kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nokuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.' "
15. Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeIjipiti, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
16. "Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakuteereri.
17. Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
18. Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
19. Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?"
20. Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati,
21. "Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
22. "Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
23. Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi."
24. Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, "Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vari munyika yeIjipiti,
25. zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, 'Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu,' muchiti, `Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa;' zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
26. Zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vagere munyika Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeIjipiti,' zvichinzi, `NaIshe Jehovha mupenyu!'
27. Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeIjipiti vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose.
28. Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
29. Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa.
30. Zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.'

  Jeremiah (44/52)