| ← Jeremiah (43/52) → |
| 1. | Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose, |
| 2. | ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, "Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, `Musaenda Ijipiti kundogarapo muri vatorwa; |
| 3. | asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhea, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.' " |
| 4. | Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha. |
| 5. | Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha, |
| 6. | vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria, |
| 7. | vakandosvika kunyika yeIjipiti; nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha; vakandosvika Tapanesi. |
| 8. | Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi, richiti, |
| 9. | "Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao naTapanesi, vanhu vose vaJudha vachizviona; |
| 10. | ugoti kwavari, `Zvanzi naJehovha wehondo, mwari walsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawirira pamusoro pawo jira rake rinobwinya. |
| 11. | Uchauya achirova nyika yeIjipiti; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo. |
| 12. | Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veIjipiti; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeIjipiti somufudzi unofuka nguvo yake, uchabvapo norugare. |
| 13. | Uchaputsawo shongwe dzeBhetishemeshi, riri munyika yeIjipiti; dzimba dzavamwari veIjipiti uchadzipisa nomoto.' " |
| ← Jeremiah (43/52) → |