Jeremiah (43/52)  

1. Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose,
2. ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, "Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, `Musaenda Ijipiti kundogarapo muri vatorwa;
3. asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhea, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.' "
4. Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
5. Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha,
6. vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
7. vakandosvika kunyika yeIjipiti; nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha; vakandosvika Tapanesi.
8. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi, richiti,
9. "Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao naTapanesi, vanhu vose vaJudha vachizviona;
10. ugoti kwavari, `Zvanzi naJehovha wehondo, mwari walsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawirira pamusoro pawo jira rake rinobwinya.
11. Uchauya achirova nyika yeIjipiti; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo.
12. Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veIjipiti; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeIjipiti somufudzi unofuka nguvo yake, uchabvapo norugare.
13. Uchaputsawo shongwe dzeBhetishemeshi, riri munyika yeIjipiti; dzimba dzavamwari veIjipiti uchadzipisa nomoto.' "

  Jeremiah (43/52)