| ← Jeremiah (42/52) → |
| 1. | Zvino vakuru vose vehondo, naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera, |
| 2. | vakati kumuporofita Jeremiya, "Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu), |
| 3. | kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita." |
| 4. | Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, "Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu." |
| 5. | Ipapo vakati kuna Jeremiya, "Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu. |
| 6. | Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu." |
| 7. | Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya. |
| 8. | Ipapo akadana Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, |
| 9. | akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake. |
| 10. | `Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.' |
| 11. | "Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake. |
| 12. | Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu. |
| 13. | Asi kana mukati, `Hatidi kugara munyika ino,' saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu, |
| 14. | muchiti, `Kwete, tichaenda kunyika yeIjipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;' |
| 15. | naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vakasara vaJudha, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Ijipiti, kundogarako muri vatorwa; |
| 16. | ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeIjipiti; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paIjipiti, ndipapo pamuchandofira. |
| 17. | Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.' |
| 18. | "Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Ijipiti; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.' |
| 19. | "Jehovha wakataura pamusoro penyu, imi vakasara vaJudha, achiti, `Regai kuenda Ijipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.' |
| 20. | Nokuti makanyengera mweya yenyu; nokuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, `Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.' |
| 21. | Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri. |
| 22. | Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa." |
| ← Jeremiah (42/52) → |