Jeremiah (41/52)  

1. Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
2. Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakanga agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
3. Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
4. Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva,
5. vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguvo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuwira, kuti vazviise mumba maJehovha.
6. Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, "Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami."
7. Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo.
8. Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, "Musatiuraya, nokuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi." Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
9. Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa.
10. Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
11. Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania,
12. vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
13. Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
14. Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
15. Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni
16. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibhiyoni.
17. Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Ijipiti,
18. nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

  Jeremiah (41/52)