| ← Jeremiah (4/52) → |
| 1. | Zvanzi naJehovha, "Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira. |
| 2. | Ipapo muchapika, muchiti, `NaJehovha mupenyu,' nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari." |
| 3. | Nokuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, "Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati peminzwa. |
| 4. | "Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita." |
| 5. | Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti "Ridzai hwamanda panyika," danidzirai, muti, "Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa. |
| 6. | "Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru. |
| 7. | "Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo. |
| 8. | "Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri." |
| 9. | Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapirisiti vachashamiswa navaporofita vachakanuka. |
| 10. | Ipapo ndikati, "Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, `Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.' " |
| 11. | Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, "Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa; |
| 12. | mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo." |
| 13. | Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nokuti taparadzwa. |
| 14. | Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko? |
| 15. | Nokuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu. |
| 16. | Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa. |
| 17. | Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nokuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 18. | Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti |
| 19. | Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa. |
| 20. | "Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo. |
| 21. | Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda? |
| 22. | Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka." |
| 23. | Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza. |
| 24. | Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka. |
| 25. | Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza. |
| 26. | Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru. |
| 27. | Nokuti zvanzi naJehovha, "Nyika yose ichasiyiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose." |
| 28. | Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nokuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi. |
| 29. | Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo. |
| 30. | Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya. |
| 31. | Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, "Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!" |
| ← Jeremiah (4/52) → |