Jeremiah (39/52)  

1. Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
2. Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta,
3. machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen’anga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
4. Zvino Zedhekia mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta vusiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani.
5. Asi hondo yavaKaradhea yakadzingana navo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga.
6. Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akatarira; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
7. Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi.
8. VaKaradhea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo Jerusaremu.
9. Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.
10. Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
11. Nebhukadhirezari weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya, achiti,
12. "Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri."
13. Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen’anga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
14. ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
15. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
16. "Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
17. Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya.
18. Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha."

  Jeremiah (39/52)