Jeremiah (38/52)  

1. Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
2. "Zvanzi naJehovha, `Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.' "
3. "Zvanzi naJehovha, `Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.' "
4. Ipapo machinda akati kuna mambo, "Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi."
5. Mambo Zedhekia ndokuti, "Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi."
6. Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
7. Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).
8. Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
9. "Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta."
10. Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, "Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa."
11. Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
12. Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, "Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote." Jeremiya akaita saizvozvo.
13. Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
14. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, "Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu."
15. Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, "Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri."
16. Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, "NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya."
17. Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, "Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, `Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.'
18. Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo."
19. Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, "Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka."
20. Asi Jeremiya wakati, "Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
21. Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
22. â€˜Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi,' zvino vakadzi avo vachati, `Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.'
23. Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto."
24. Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, "Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
25. "Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, `Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.'
26. "Ipapo uti kwavari, `Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.' "
27. Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.
28. Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.

  Jeremiah (38/52)