Jeremiah (37/52)  

1. Zvino Zedhekia mwanakomana waJosia wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakanga apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi.
2. Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
3. Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, "Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu."
4. Zvino Jeremiya wakanga achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nokuti vakanga vachigere kumusunga mutorongo.
5. Hondo yaFarao yakanga yabvawo Ijipiti; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
6. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
7. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, `Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
8. VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.'
9. "Zvanzi naJehovha, `Musazvinyengera henyu,' muchiti, `Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nokuti havangabvi.'
10. "Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto."
11. Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
12. Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
13. Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, "Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea."
14. Jeremiya akati, "Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea." Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
15. Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo.
16. Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
17. mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, "Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?" Jeremiya akati, "Ririko." Akatiwo, "Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi."
18. Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, "Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo?
19. Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofitirai, vachiti, `Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?'
20. Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo."
21. Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.

  Jeremiah (37/52)