Jeremiah (35/52)  

1. Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
2. "Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe."
3. Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
4. Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
5. Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, "Inwai waini."
6. Asi ivo vakati "Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, `Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
7. uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.'
8. "Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
9. kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
10. asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
11. Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, `Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.' "
12. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
13. "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu,' uti, `Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.'
14. Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
15. Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.'
16. "Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
17. naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; `Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vazere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.'
18. "Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;'
19. naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, `Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.' "

  Jeremiah (35/52)