Jeremiah (34/52)  

1. Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Enda, undotaura naZedhekia mambo waJudha; uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
3. newe haungapukunyuki paruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nokuiswa muruoko rwake; meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, muchataurirana nemiromo yenyu, iwe uchaenda Bhabhironi.'
4. Asi chinzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekia mambo waJudha, zvanzi naJehovha pamusoro pako, iwe haungaurawi nomunondo;
5. iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, `Haiwa ishe!' Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha."
6. Ipapo muporofita Jeremiya akataura mashoko aya ose kuna Zedhekia mambo waJudha paJerusaremu,
7. nenguva yakarwa hondo yamambo weBhabhironi neJerusaremu uye namaguta ose aJudha akanga asara, neRakishi neAzeka, nokuti ndiyo yakanga yasara pamaguta aJudha, ari maguta akakombwa norusvingo.
8. Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vakanga vari Jerusaremu, achivaparidzira kuti vakasunungurwa,
9. kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
10. Machinda ose navanhu vose vakateerera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakateerera, vakavatendera kuenda.
11. Asi pashure vakashanduka, vakadzosa varanda navashandiri, vavakanga vambotendera kuenda, vakavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri.
12. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richibha kuna Jehovha, richiti,
13. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Ndakaita sungano namadzibaba enyu, panguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda,' ndichiti,
14. â€˜Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.'
15. Zvino imi makanga madzoka henyu, mukaita zvakarurama pamberi pangu, zvamakaparidzira mumwe nomumwe hama yake kuti ungasunungurwa; makanga maita sungano pamberi pangu muimba panodanwa zita rangu.
16. "Asi makadzoka, mukamhura zita rangu, mukadzosa mumwe nomumwe muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake, vamakanga matendera kuti vaende havo nokuda kwavo, mukavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri venyu.
17. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.'
18. Varume vakadarika sungano yangu, vakasaita mashoko esungano yavakaita neni, ndichavaita semhuru yavakagura napakati vakapfuura napakati penhindi dzayo;
19. machinda aJudha, namachinda eJerusaremu, navaranda vavo, navapirisiti, navanhu vose venyika, vakapfuura napakati penhindi dzemhuru,
20. ivo ndichavaisa mumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya, zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika.
21. Naiye Zedhekia mambo waJudha namachinda ake ndichavaisa mumaoko avavengi vavo nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, vakaenda vachibva kwamuri.
22. Tarirai, ndichavaraira nokuvadzosera kuguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha; vacharwa naro, nokurikunda, nokuripisa nomoto; ndichaita maguta aJudha matongo, asina vanogaramo."

  Jeremiah (34/52)