Jeremiah (33/52)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
3. Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.'
4. Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
5. â€˜Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.'
6. Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.
7. Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
8. "Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakanganwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo.
9. Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira."
10. Zvanzi naJehovha, "Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve
11. inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi" rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, `Vongai Jehovha wehondo,' nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha."
12. Zvanzi naJehovha wehondo, "Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi.
13. Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha."
14. "Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
15. "Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika.
16. Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, `Jehovha ndiye kururama kwedu.'
17. "Nokuti zvanzi naJehovha, `Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri;
18. navapirisiti vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.' "
19. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
20. "Zvanzi naJehovha, `Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
21. ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapirisiti, vashumiri vangu.' "
22. Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverenga, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira.
23. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
24. "Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, `Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye?' Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
25. Zvanzi naJehovha, `Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo;
26. ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.' "

  Jeremiah (33/52)