| ← Jeremiah (33/52) → | 
| 1. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, | 
| 2. | "Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, | 
| 3. | Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.' | 
| 4. | Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo, | 
| 5. | ‘Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.' | 
| 6. | Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda. | 
| 7. | Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga. | 
| 8. | "Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakanganwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo. | 
| 9. | Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira." | 
| 10. | Zvanzi naJehovha, "Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve | 
| 11. | inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi" rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, `Vongai Jehovha wehondo,' nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha." | 
| 12. | Zvanzi naJehovha wehondo, "Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi. | 
| 13. | Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha." | 
| 14. | "Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha. | 
| 15. | "Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika. | 
| 16. | Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, `Jehovha ndiye kururama kwedu.' | 
| 17. | "Nokuti zvanzi naJehovha, `Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri; | 
| 18. | navapirisiti vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.' " | 
| 19. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti, | 
| 20. | "Zvanzi naJehovha, `Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo; | 
| 21. | ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapirisiti, vashumiri vangu.' " | 
| 22. | Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverenga, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira. | 
| 23. | Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti, | 
| 24. | "Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, `Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye?' Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo. | 
| 25. | Zvanzi naJehovha, `Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo; | 
| 26. | ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.' " | 
| ← Jeremiah (33/52) → |