Jeremiah (30/52)  

1. Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Nyora mashoko ose andakakuudza mu bhuku.
3. Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.'
4. Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha.
5. Nokuti zvanzi naJehovha, "Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rorugare.
6. Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
7. Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.
8. "Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo;
9. asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.
10. Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
11. Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa."
12. Nokuti zvanzi naJehovha, "Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo.
13. Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa.
14. Vose vaikuda vakukanganwa, havakuvingi, nokuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova kwoune hasha, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
15. Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
16. Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa.
17. Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, `NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.' "
18. "Zvanzi naJehovha, `Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
19. Kuwonga nenzwi ravanofara richabudapo; ndichavawanza, havangavi vashoma, ndichavakudza varege kuva vaduku.
20. Vana vavo vachava sakare, neungano yavo ichamiswa pamberi pangu, ndicharova vose vanovamanikidza.
21. Muchinda wavo uchava mumwe wavo, mubati wavo uchabuda pakati pavo; ndichamuswededza, aswedere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsunga kuswedera kwandiri? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
22. Imi muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.' "
23. Tarirai, dutu guru remhepo yaJehovha, idzo hasha dzake, rabuda, riri dutu guru rine simba; richaputsikira pamisoro yavakaipa.
24. Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza, kusvikira aita zvose zvaakafunga mumoyo make; muchazvinzwisisa pamazuva okupedzisira.

  Jeremiah (30/52)