| ← Jeremiah (30/52) → | 
| 1. | Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti, | 
| 2. | "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Nyora mashoko ose andakakuudza mu bhuku. | 
| 3. | Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.' | 
| 4. | Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha. | 
| 5. | Nokuti zvanzi naJehovha, "Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rorugare. | 
| 6. | Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka? | 
| 7. | Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri. | 
| 8. | "Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo; | 
| 9. | asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira. | 
| 10. | Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa. | 
| 11. | Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa." | 
| 12. | Nokuti zvanzi naJehovha, "Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo. | 
| 13. | Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa. | 
| 14. | Vose vaikuda vakukanganwa, havakuvingi, nokuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova kwoune hasha, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda. | 
| 15. | Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda. | 
| 16. | Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa. | 
| 17. | Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, `NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.' " | 
| 18. | "Zvanzi naJehovha, `Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira. | 
| 19. | Kuwonga nenzwi ravanofara richabudapo; ndichavawanza, havangavi vashoma, ndichavakudza varege kuva vaduku. | 
| 20. | Vana vavo vachava sakare, neungano yavo ichamiswa pamberi pangu, ndicharova vose vanovamanikidza. | 
| 21. | Muchinda wavo uchava mumwe wavo, mubati wavo uchabuda pakati pavo; ndichamuswededza, aswedere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsunga kuswedera kwandiri? Ndizvo zvinotaura Jehovha. | 
| 22. | Imi muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.' " | 
| 23. | Tarirai, dutu guru remhepo yaJehovha, idzo hasha dzake, rabuda, riri dutu guru rine simba; richaputsikira pamisoro yavakaipa. | 
| 24. | Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza, kusvikira aita zvose zvaakafunga mumoyo make; muchazvinzwisisa pamazuva okupedzisira. | 
| ← Jeremiah (30/52) → |