Jeremiah (28/52)  

1. Zvino pagore irero, pakuvamba kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibhiyoni, akataura neni mumba maJehovha, vapirisiti navanhu vose varipo, akati,
2. "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.
3. Makore maviri asati apera kwazvo, ndichadzoserazve kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha, yakatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi panzvimbo ino, akaiisa Bhabhironi;
4. ndichadzoserazve kunzvimbo ino Jekonia mwanakomana waJehoiakimu mambo waJudha, pamwechete navatapwa vose vaJudha, vakaenda Bhabhironi ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.' "
5. Ipapo muporofita Jeremiya akati kumuporofita Hanania, vapirisiti navanhu vose varipo vamire mumba maJehovha,
6. iye muporofita Jeremiya akati, "Ameni, Jehovha ngaaite zvakadaro; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, adzoserezve midziyo yeimba yaJehovha, navose vakatapwa, vabve Bhabhironi vauye kunzvimbo ino.
7. Asi zvino chinzwa shoko iri randinotaura munzeve dzako, nomunzeve dzavanhu vose.
8. Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitira nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
9. "Muporofita, unoporofita zvorugare, kana shoko romuporofita uyo rikaitika, muporofita uyo uchazvikanwa kuti wakatumwa naJehovha zvirokwazvo."
10. Ipapo muporofita Hanania wakabvisa joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, akarivhuna.
11. Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, "Zvanzi naJehovha, `Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo.' " Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
12. Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, muporofita Hanania apedza kuvhuna joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, zvichinzi,
13. "Enda undoudza Hanania, uti, `Zvanzi naJehovha, wavhuna majoko amatanda, asi waita panzvimbo yazvo majoko esimbi.'
14. "Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.' "
15. Ipapo muporofita Jeremiya wakati kumuporofita Hanania, "Chinzwa zvino, Hanania, Jehovha haana kukutuma, asi iwe unotendisa vanhu ava nhema.
16. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarira, ndichakudzinga pasi pose; uchafa nhaka, nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.' "
17. Naizvozvo muporofita Hanania wakafa negore iro nomwedzi wechinomwe.

  Jeremiah (28/52)