Jeremiah (27/52)  

1. Pakuvamba kwokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2. "Zvanzi naJehovha kwandiri, `Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
3. uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTire, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekia mambo waJudha,'
4. utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,'
5. `Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa, zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.'
6. Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
7. Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
8. "Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
9. Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, `Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
10. nokuti vanokuporofitirai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.'
11. Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12. "Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, `Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
13. Muchafireiko, imi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nehosha yakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
14. Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, "Hamungashumiri mambo weBhabhironi;" nokuti vanokuporofitirai nhema.
15. Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofitirai.' "
16. Ndakataurawo navapirisiti, uye navanhu ava vose, ndikati, "Zvanzi naJehovha, `Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai,' vachiti, `Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
17. Regai kuvateerera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?'
18. Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi."
19. Nokuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
20. zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
21. nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
22. "Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino."

  Jeremiah (27/52)