Jeremiah (25/52)  

1. Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi,
2. iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti,
3. "Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuteerera.
4. Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe,
5. vachiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
6. regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.'
7. "Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
8. "Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu,
9. tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
10. Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje.
11. Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe.
12. "Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
13. Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose.
14. "Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo."
15. Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, "Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
16. Vachanwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo."
17. Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha;
18. vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi.
19. NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose;
20. namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi;
21. naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni;
22. namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
23. neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi;
24. namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje;
25. namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia;
26. namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose hwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchanwa shure kwazvo.
27. Zvino iwe uti kwavari, "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.'
28. "Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uti kwavari, `Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kunwa, zvirokwazvo!'
29. Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
30. "Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, `Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa.
31. Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.' "
32. Zvanzi naJehovha wehondo, "Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika."
33. Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
34. Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa.
35. Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire.
36. Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo.
37. Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha.
38. Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.

  Jeremiah (25/52)