| ← Jeremiah (25/52) → |
| 1. | Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, |
| 2. | iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti, |
| 3. | "Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuteerera. |
| 4. | Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, |
| 5. | vachiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi, |
| 6. | regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.' |
| 7. | "Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa. |
| 8. | "Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu, |
| 9. | tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi. |
| 10. | Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje. |
| 11. | Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe. |
| 12. | "Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi. |
| 13. | Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose. |
| 14. | "Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo." |
| 15. | Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, "Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari. |
| 16. | Vachanwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo." |
| 17. | Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha; |
| 18. | vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi. |
| 19. | NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose; |
| 20. | namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi; |
| 21. | naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni; |
| 22. | namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa; |
| 23. | neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi; |
| 24. | namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje; |
| 25. | namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia; |
| 26. | namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose hwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchanwa shure kwazvo. |
| 27. | Zvino iwe uti kwavari, "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.' |
| 28. | "Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uti kwavari, `Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kunwa, zvirokwazvo!' |
| 29. | Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 30. | "Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, `Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa. |
| 31. | Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.' " |
| 32. | Zvanzi naJehovha wehondo, "Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika." |
| 33. | Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose. |
| 34. | Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa. |
| 35. | Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire. |
| 36. | Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo. |
| 37. | Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha. |
| 38. | Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru. |
| ← Jeremiah (25/52) → |