Jeremiah (24/52)  

1. Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
2. Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
3. Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Unowoneiko Jeremiya?" Ini ndikati, "Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo."
4. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5. "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
6. Nokuti ndichavatarira nameso angu nomoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
7. Ndichavapa moyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nomoyo wavo wose.'
8. "Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeljipiti.
9. Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshoorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira.
10. Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nehosha, kusvikira vapera munyika yandakavapa ivo namadzibaba avo."

  Jeremiah (24/52)