Jeremiah (23/52)  

1. Vane nhamo vafudzi vanoparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! Ndizvo zvinotaura Jehovha.
2. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, "Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
3. Ndichaunganidza vakasara vamakwai angu kunyika dzose kwandakanga ndaadzingira, ndichaadzosera kumafuro awo; achaberekana nokuwanda.
4. Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashaikwa ndizvo zvinotaura Jehovha."
5. "Tarirai," ndizvo zvinotaura Jehovha, "Mazuva achauya, andichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama, iye uchabata ushe ari mambo, uchaita nohuchenjeri nokururama achiita zvakarurama panyika.
6. "Pamazuva ake VaJudha vachaponeswa, naVaIsiraeri vachagara vakachengetwa; zita rake raachatumidzwa ndireri, `Jehovha ndiye kururama kwedu.'
7. "Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, avasingazoti, `NaJehovha mupenyu, wakabudisa vana valsiraeri munyika yeIjipiti;'
8. asi, `NaJehovha mupenyu, wakabudisa rudzi rweimba yaIsiraeri munyika yokumusoro, achivaperekedza, nomunyika dzose kwandakanga ndavadzingira. Ivo vachagara munyika yavo.' "
9. Kana vari vaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anozununguka, ndakaita somunhu wakabatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuda kwaJehovha, uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
10. Nokuti nyika izere nemhombwe; nokuti nyika inochema nemhaka yokutuka, mafuro erenje akaoma; zvavanovavarira zvakaipa, simba ravo harizakarurama.
11. Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanomhura Jehovha; zvirokwazvo, mumba mangu ndakawana zvakaipa zvavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12. "Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari senzvimbo dzinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwiramo; nokuti ndichavauyisira zvakaipa pagore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13. Ndakaona hupenzi kuvaporofita veSamaria; vakaporofita naBhaari, vakashatisa vanhu vangu Isiraeri.
14. Kuvaporofita veJerusaremu ndakaonawo chinhu chinonyangadza, vanoita hupombwe, nokufamba nenhema; vanosimbisa maoko avanoita zvakaipa, naizvozvo hakuna nomumwe unodzoka pazvakaipa zvake; vose vava kwandiri seSodhoma, navagerepo seGomora.
15. "Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pavaporofita, `Tarirai, ndichavadyisa gavakava, ndichavanwisa mvura yenduru; nokuti kumhura Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusaremu kukaenda kunyika yose.' "
16. Zvanzi naJehovha wehondo, "Regai kuteerera mashoko avaporofita vanokuporofitirai; vanokudzidzisai zvisina maturo, vanotaura zvavakaona pamoyo yavo, zvisati zviri izvo zvinobuda mumuromo waJehovha."
17. Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, "Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomoyo wake, vanoti, `Hakune chakaipa chingakuwira.'
18. "Nokuti ndiani wakamira parangano yaJehovha, akaona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera akanzwa shoko rake?
19. Tarirai, dutu remhepo raJehovha, iko kutsamwa kwake, rabuda, zvirokwazvo dutu rechamupupuri; richamonereka pamisoro yavakaipa.
20. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira azviita, apedza ndangariro dzomoyo wake; pamazuva okupedzisira muchazvinzwisisa kwazvo."
21. "ini handina kutuma vaporofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaporofita.
22. "Asi dai vakanga vamira parangano yangu, vangadai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, vakavadzora panzira yavo yakaipa, napazvakaipa zvamabasa avo.
23. "Ko ini ndiri Mwari uri pedo, ndisati ndiri Mwari uri kure here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
24. Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
25. Ndakanzwa zvakarehwa navaporofita, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti, `Ndarota hope, ndarota hope.'
26. Ko izvi zvichavapo pamoyo yavaporofita vanoporofita nhema kusvikira rinhi, ivo vaporofita vezvinonyengera zvemoyo yavo?
27. Ivo, vanofunga kukanganisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo, kwavanoudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakanganwa zita rangu nokunamata Bhaari.
28. Muporofita, wakarota, ngaaudze kurota kwake; uneshoko rangu, ngaataure shoko rangu nokutendeka. Mashanga nezviyo zvakaenzana pai? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
29. "Shoko rangu harina kufanana nomoto here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?
30. Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kunowokwake.
31. Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoreva namarimi avo, vachiti, `Ndiye unodaro.'
32. Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navanoporofita kurota kwavo kwenhema, vachiudza vamwe, vachirashisa vanhu vangu nenhema dzavo uye nokuzvirumbidza kwavo kusina maturo; kunyange zvakadaro handina kuvatuma, kana kuvaraira; uye havatongobatsiri vanhu ava, ndizvo zvinotaura Jehovha.
33. "Zvino kana vanhu ava, kana muporofita kana mupirisiti, vakakubvunza, vachiti, `Chirevo chaJehovha ndechipiko?' Ipapo uti kwavari, `Chirevo chei!' Ini ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
34. Kana ari muporofita, kana mupirisiti, kana vanhu, kana vachiti, `Chirevo chaJehovha; ndicharova munhu uyo neimba yake.'
35. Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, `Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?'
36. Musazoti chirevo chaJehovha; nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe ndicho chirevo chake; nokuti makakanganisa mashoko aMwari mupenyu, aJehovha wehondo, Mwari wedu.
37. "Uti kumuporofita, `Jehovha wakakupindurei? Jehovha wakataurei?'
38. Asi kana mukati, `Chirevo chaJehovha;' zvanzi naJehovha, `Zvamunoreva shoko iri, muchiti, chirevo chaJehovha,' ini zvandakatuma shoko kwamuri ndichiti, `Musati, chirevo chaJehovha;'
39. naizvozvo tarirai, ndichakukanganwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadzibaba enyu;
40. ndichauyisa pamusoro penyu kushoorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi."

  Jeremiah (23/52)