Jeremiah (22/52)  

1. Zvanzi naJehovha, "Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri,
2. uti, Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi,iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuwo awa.'
3. "Zvanzi naJehovha, `Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza;mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.'
4. Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomoyo wose, pamasuo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake.
5. Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha.
6. "Nokuti zvanzi naJehovha, `Uri Giriyadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.'
7. Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto.
8. Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, `Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?'
9. "Ipapo vachapindura, vachiti, `Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.' "
10. Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nokuti haangadzokizve, kana kuonazve nyika yake yaakaberekerwa.
11. Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, "Iye haangadzokeripozve;
12. asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino."
13. Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
14. iye, unoti, "Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahhwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku."
15. "Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokumwa, vachiita , zvakarurama nezvakatendeka here?" Ipapo vakagara nomufaro.
16. Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. "Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
17. Asi meso ako nomoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite.
18. Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, `Havangamuchemi,' vachiti, `Haiwa, munun’una wangu!' Kana, `Haiwa, hanzvadzi!' Havangachemi, vachiti, `Haiwa, ishe!' Kana, `Haiwa, hukuru hwake!'
19. "Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuo eJerusaremu."
20. Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nokuti vadikani venyu vose vakaparadzwa.
21. Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, "Handidi kunzwa." Ndiwo wakanga uri mutoo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuteerera inzwi rangu.
22. Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa, zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose.
23. Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka!
24. "Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo.
25. Ndichakuisa muruvoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruvoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhea.
26. Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kuneimwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo.
27. Asi kunyika kunopanga moyo yavo kudzokera, havangadzokeriko.
28. "Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?"
29. Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
30. Zvanzi naJehovha, "Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha,"

  Jeremiah (22/52)