Jeremiah (20/52)  

1. .Zvino Pashuri, mwanakomana womupirisiti Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
2. Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha.
3. Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, "Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi.
4. Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo.
5. Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi.
6. Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.' "
7. Imi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka.
8. Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, "Zvinoitwa nesimba nokuparadza" Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.
9. Kana ndichiti, "Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake," ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
10. Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. "Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari."
11. Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
12. Asi imi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yangu.
13. Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
14. Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
15. Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, "Maberekerwa mwanakomana," akavafadza kwazvo.
16. Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati;
17. zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba.
18. Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?

  Jeremiah (20/52)