Jeremiah (18/52)  

1. Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
2. "Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu."
3. Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo.
4. Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari.
5. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
6. "Zvanzi naJehovha, `Nhai, imi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsiraeri.
7. Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza;
8. kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
9. Uye nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima;
10. kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasateerera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.'
11. Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, `Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.'
12. "Asi ivo vanoti, `Hazvina maturo, nokuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomoyo wake wakaipa.' "
13. Naizvozvo zvanzi naJehovha, "Zvino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa zvakadai; mhandara yaIsiraeri yakaita chinhu chakaipa kwazvo.
14. "Ko chando chakachena chapaRebhanoni chingashaikwa padombo rokusango here? Mvura inotonhora, inoyerera ichibva kure ingapwa here?
15. nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
16. "Kuti vaite nyika yavo chishamiso nechinoridzirwa murudzi nokusingaperi; mumwe nomumwe unopfuurapo uchashamiswa, nokudzungudza musoro wake.
17. Ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo sezvinoita mhepo inobva kumabvazuva; ndichavafuratira, handingavatariri nechiso, nezuva rokutambudzika kwavo."
18. Ipapo vakati, "Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nokuti murayiro haungashaikwi kumupirisiti, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
19. "Jehovha, nditeererei, munzwe inzwi ravanokakavara neni.
20. Zvakaipa zvingatsihwa nezvakanaka here? Nokuti vakacherera mweya wangu gomba. Rangarirai kumira kwangu pamberi penyu kuti ndivareverere zvakanaka, kuti nditsause kutsamwa kwenyu kwavari.
21. Saka sundirai vana vavo panzara, muvaregere pasimba romunondo; vakadzi vavo ngavatorerwe vana vavo, vave chirikadzi; varume vavo ngavaurawe norufu, namajaya avo aurawe nomunondo pakurwa.
22. "Kuchema ngakunzwike padzimba dzavo, kana muchivauyisira kamwe kamwe boka ravarwi; nokuti vakachera gomba, kuti vandibate; vakavanzira tsoka dzangu misungo.
23. Asi imi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakanganwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu."

  Jeremiah (18/52)