Jeremiah (17/52)  

1. "Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedhaimani; zvakatemwa pamahwendefa emoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu
2. nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira.
3. Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nefuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose.
4. Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nokuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi."
5. Zvanzi naJehovha, "Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna Jehovha.
6. Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
7. Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.
8. Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
9. moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
10. Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake."
11. segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
12. Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga.
13. Imi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nokuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
14. Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza.
15. Tarirai, vanoti kwandiri, "Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino."
16. Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi imwi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu.
17. Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa.
18. Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa.
19. Jehovha wakati kwandiri, "Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu,
20. uti kwavari, Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuo awa.'
21. "Zvanzi naJehovha, `Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva reSabata, kana kupinda nawo napamasuo eJerusaremu,
22. musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva reSabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva reSabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.'
23. Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
24. "Zvino zvanzi naJehovha, `Kana mukanyatsa kunditeerera, mukasapinda nomutoro napamasuo eguta rino nezuva reSabata, asi muchitsaura zuva reSabata, musingabati basa ripi neripi naro;
25. ipapo pachapinda napamasuo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.'
26. "Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
27. Asi kana mukaramba kunditeerera, mukaramba kutsaura zuva reSabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuo eJerusaremu nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu usingazodzimwi."

  Jeremiah (17/52)