Jeremiah (15/52)  

1. Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Kunyange Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, moyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
2. "Zvino kana vakati kwauri, `Tichaendepiko?' Uti kwavari, `Zvanzi naJehovha vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nenzara, kunzara, navakafanirwa nokutapwa, kukutapwa.' "
3. Ndichavatumira njodzi dzamarudzi mana ndizvo zvinotaura Jehovha munondo kuvauraya, nembwa kuvakwekweredza, neshiri dzokudenga nezvikara zvenyika kuvadya nokuvaparadza.
4. Ndichavadzungaidza pakati poushe hwenyika, nemhaka yaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, pamusoro pezvaakaita paJerusaremu.
5. "Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusaremu? Ndiani uchakuchema? Ndianiko uchatsauka kuzobvunza mufaro wako?
6. Zvanzi naJehovha, `Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruoko rwangu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuzvidemba:
7. Ndakavandudza nechokurudza pamasuo enyika; ndakavatorera vana vavo, ndakaparadza vanhu vangu; asi havana kudzoka panzira dzavo.
8. Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
9. "Iye, wakabereka vanomwe, wapera simba, wabudisa mweya wake; zuva rake rakavira achiri masikati; wakanyadziswa nokukanganiswa; vakasara vavo ndichavaurayisa nomunondo pamberi pavavengi vavo" ndizvo zvinotaura Jehovha.
10. Ndine nhamo mai vangu, zvavakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose ! Handina kupa chikwerete, navanhu havana kutora chikwerete kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
11. Jehovha akati, "Zvirokwazvo, ndichakusimbisira zvakanaka; zvirokwazvo, ndichanyengeteresa muvengi wako kwauri nenguva yezvakaipa, uye nenguva yokutambudzika."
12. "Ko dare ringavhuniwa here, iro dare rinobva kurutivi rwokumusoro, kana ndarira here?
13. "Nhumbi dzako nefuma yako ndichazviisa kukutapwa, zvisingatengwi, nokuda kwezvivi zvako zvose pamiganho yako yose.
14. Ndichakuendisa navavengi vako kunyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa nokutsamwa kwangu, uchapfuta pamusoro penyu."
15. Haiwa Jehovha, imi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vatambudzi vangu; musandibvisa pakuitira kwenyu vamwe moyo murefu; zivai kuti ndakatukwa nokuda kwenyu.
16. Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.
17. Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamwa kwenyu.
18. Kurwadziwa kwangu kunorambireiko kuripo nokusingaperi, vanga rangu rinorambirei kurapwa, risingadi kupora? Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here?
19. Saka zvanzi naJehovha, "Kana ukadzoka, ndichakudzosa, kuti umire pamberi pangu; kana ukatsaura zvakanaka uchizvibvisa pane zvakaipa, uchava somuromo wangu; ivo vachadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.
20. Ndichakuita kuna vanhu ava rusvingo rwendarira rwakasimbiswa; vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira.
21. Ndichakurwira pamaoko avakaipa, nokukudzikunura pamaoko avanotyisa."

  Jeremiah (15/52)