Jeremiah (14/52)  

1. Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.
2. VaJudha vanochema, namasuo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguvo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.
3. Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
4. Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya payika,
5. Zvirokwazvo hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nokuti hakuna bumudza.
6. Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.
7. "Kunyange zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nokuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
8. Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
9. Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyange zvakadaro imi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya."
10. Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, "Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo."
11. Jehovha akati kwandiri, "Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.
12. Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha."
13. Ipapo ndakati, "Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, `Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.' "
14. Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofitirai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemoyo yavo."
15. Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, "Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, `Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.
16. Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.'
17. Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, `Meso angu angaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
18. Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurawa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.' "
19. Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!
20. Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.
21. "Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.
22. Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose."

  Jeremiah (14/52)