← Jeremiah (12/52) → |
1. | Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? |
2. | Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo. |
3. | Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. |
4. | Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, "Haangaoni kuguma kwedu." |
5. | "Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJorodhani? |
6. | "Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe." |
7. | "Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikanwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake. |
8. | Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga |
9. | Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye. |
10. | Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikanwa rive renje risina chinhu. |
11. | Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo. |
12. | Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare. |
13. | Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha." |
14. | Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, "Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo. |
15. | "Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake. |
16. | Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, `NaJehovha mupenyu,' sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu. |
17. | "Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza" ndizvo zvinotaura Jehovha. |
← Jeremiah (12/52) → |