| ← Jeremiah (10/52) → |
| 1. | Inzwai shoko rinotaura Jehovha kwamuri, imi imba yaIsiraeri, |
| 2. | zvanzi naJehovha, "Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo. |
| 3. | Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo. |
| 4. | Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka. |
| 5. | Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni." |
| 6. | Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro. |
| 7. | Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi. |
| 8. | Asi vose pamwechete havane njere, mapenzi; dzidzo yezvifananidzo idanda zvaro. |
| 9. | Isirivha yakapfurwa ikaita bope, yakatorwa Tarishishi, nendarama inobva Ufazi, riri basa remhizha neramaoko omupfuri wendarama; zvakafukidzwa nguvo dzemicheka mitema nemitsvuku; zvose ibasa ravanhu venjere. |
| 10. | Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi; kana iye atsamwa nyika inodedera, marudzi avanhu haagoni kumira pahasha dzake. |
| 11. | ltiyi kwavari, "Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose." |
| 12. | Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake. |
| 13. | Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake. |
| 14. | Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri. |
| 15. | Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera. |
| 16. | Mugove waJakobho haufanani naizvozvo, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake. |
| 17. | Unganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombwa. |
| 18. | Nokuti zvanzi naJehovha, "Tarirai, nguva ino ndichaposhera kure vanhu vagere munyika ino, ndichavamanikidza, kuti vawanikwe." |
| 19. | Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, "Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu." |
| 20. | Tende rangu rakaputswa, mabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, havachiripo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisazve micheka yetende rangu. |
| 21. | Nokuti vafudzi vava vasina njere, havana kubvunza Jehovha; naizvozvo havana kuzofara, namapoka avo ose akapararira. |
| 22. | Inzwai, mukurumbira! Tarirai, bope guru rinouya richibva kunyika yokumusoro, kushandura maguta aJudha ave matongo, panogara makava. |
| 23. | Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. |
| 24. | Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose. |
| 25. | Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pamarudzi avanhu vasingakuziviyi, napamusoro pamarudzi asingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakobho, zvirokwazvo, vakamudya nokumupedza, vakaparadza hugaro hwake |
| ← Jeremiah (10/52) → |