Jeremiah (1/52)  

1. Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikia, waiva worudzi rwavapirisiti vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
2. Shoko raJehovha rakauya kwaari pamazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, negore regumi namatatu rokubata kwake ushe.
3. Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
4. Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5. "Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai, ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu."
6. Ipapo ndakati, "Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu."
7. Asi Jehovha akati kwandiri, "Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.
8. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ndinewe, kuti ndikurwire.' "
9. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, "Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
10. Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima."
11. Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, "Jeremiya, unoonei?" Ndikati, "Ndinoona davi romuamanda."
12. Ipapo Jehovha akati kwandiri,"Waona zvakanaka; nokuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite."
13. Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, "Unoonei?" Ndikati, "Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro."
14. Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino.
15. Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
16. Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanamata mabasa amaoko avo.
17. Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo.
18. Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapirisiti vavo, navanhu venyika.
19. Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.' "

      Jeremiah (1/52)