James (5/5)    

1. Tambirai, imi vafumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai.
2. Fuma yenyu yakavora, nguvo dzenyu dzapera nezvivundudzi.
3. Ndarama yenyu nesirivheri yenyu zvinengura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera fuma pamazuva okupedzisira.
4. Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaShe wehondo.
5. Makagara mumufaro panyika muchikarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sapazuva rokubaya.
6. Makatongera wakarurama, mukamuvuraya; haakudzivisiyi.
7. Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuvuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamsoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.
8. Nemi vo tsungirirai; simbisai moyo yenyu, nokuti kuvuya kwaShe kwava pedo,
9. Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi umire pamukova.
10. Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raShe.
11. Tarirai, vakatsunga moyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makavona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe unomoyo munyoro kwazvo, unetsitsi.
12. Asi, hama dzangu, kupfuvura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
13. Kunomumwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kunomumwe unofara here? Ngaaimbe mapisarema.
14. Kunomumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raShe.
15. Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.
16. Naizvozvo revururanai zvivi zvenyu munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru pakubata kwako.
17. Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
18. Akanyengetera zve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
19. Hama dzangu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora,
20. ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.

  James (5/5)