← James (5/5) |
1. | Tambirai, imi vafumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. |
2. | Fuma yenyu yakavora, nguvo dzenyu dzapera nezvivundudzi. |
3. | Ndarama yenyu nesirivheri yenyu zvinengura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera fuma pamazuva okupedzisira. |
4. | Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaShe wehondo. |
5. | Makagara mumufaro panyika muchikarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sapazuva rokubaya. |
6. | Makatongera wakarurama, mukamuvuraya; haakudzivisiyi. |
7. | Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuvuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamsoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. |
8. | Nemi vo tsungirirai; simbisai moyo yenyu, nokuti kuvuya kwaShe kwava pedo, |
9. | Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi umire pamukova. |
10. | Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raShe. |
11. | Tarirai, vakatsunga moyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makavona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe unomoyo munyoro kwazvo, unetsitsi. |
12. | Asi, hama dzangu, kupfuvura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kuwira mukutongwa. |
13. | Kunomumwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kunomumwe unofara here? Ngaaimbe mapisarema. |
14. | Kunomumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raShe. |
15. | Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa. |
16. | Naizvozvo revururanai zvivi zvenyu munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru pakubata kwako. |
17. | Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu. |
18. | Akanyengetera zve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. |
19. | Hama dzangu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora, |
20. | ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji. |
← James (5/5) |