| ← James (4/5) → |
| 1. | Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? |
| 2. | Munochiva, Munorwa asi hamune chinhu; munovuraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamunechinhu nokuti hamukumbiri.. |
| 3. | Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. |
| 4. | Imi vovutere,hamuzivi here kuti vushamwari bwenyika bwunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari. |
| 5. | Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti: Mweya, wakagarisa mukati medu unotishuva negodo? |
| 6. | Asi unopa nyasha dzakapfuvura. Saka Rugwaro runoti: Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa. |
| 7. | Naizvozvo muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai. |
| 8. | Swederai kunaMwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai mavoko enyu, imi vatadzi; natsai moyo yenyu, imi munemoyo miviri. |
| 9. | Shuwai, mucheme, muraire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. |
| 10. | Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai. |
| 11. | Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi. |
| 12. | Mumwe chete ndiye mutemi womurairo nomutongi, iye unogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako? |
| 13. | Nhai imi, munoti: Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogara ko gore, tichishambadzira, tifume |
| 14. | imi musingazivi zvamangwana. Vupenyu bwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inovonekwa nguva duku, ndokunyangarika. |
| 15. | Mungadai muchiti: Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti. |
| 16. | Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa. |
| 17. | Naizvozvo uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye unezvivi. |
| ← James (4/5) → |