| ← James (3/5) → |
| 1. | Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuvurisa. |
| 2. | Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wose vo. |
| 3. | Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora vo muviri wawo wose. |
| 4. | Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa nechidzoreso chiduku duku kwose-kwose nokuda kwomoyo womufambisi wawo. |
| 5. | Saizvozvo vo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei! |
| 6. | Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose yovupenyu, runotungidzwa irwo neGehena. |
| 7. | Nokuti marudzi ose emhuka, neshiri, nezvinokambaira, nezviri mugungwa angapingudzwa, vuye akambopingudzwa navanhu; |
| 8. | asi hakunomunhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unovuraya. |
| 9. | Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari; |
| 10. | mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro. |
| 11. | Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvura inonaka neinovava here? |
| 12. | Hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa mavonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka. |
| 13. | Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri. |
| 14. | Asi kana munegodo rinovava norukave mumoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema. |
| 15. | Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa. |
| 16. | Nokuti panegodo norukave, ndipo panenyonganiso namabasa ose akaipa. |
| 17. | Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, vuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri. |
| 18. | Chibereko chokururama chinodzwarwa parugare navanoita rugare. |
| ← James (3/5) → |