Isaiah (9/66)  

1. Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
2. Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.
3. Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.
4. Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.
5. Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
6. Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, "Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare."
7. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.
8. Jehovha akatuma shoko kuna Jakobho, rakaburukira pamusoro pavaIsiraeri.
9. Vanhu vose vachaziva, ivo vaEfuremu navagere Samaria, ivo vanoti namanyawi avo nokuzvikudza kwemoyo yavo,
10. "Zvitinha zvawa, asi tichavaka namabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaisa misidhari panzvimbo yayo."
11. Naizvozvo Jehovha achavamutsira vadzivisi vaRezini, achasanganisa vavengi vake;
12. vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
13. Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, havana kutsvaka Jehovha wehondo.
14. Saka Jehovha achagura vaIsiraeri musoro nomuswe, davi romuchindwe nenhokwe, nomusi mumwe.
15. Mukuru noanokudzwa ndiwo musoro; muporofita, anodzidzisa nhema, ndiwo muswe.
16. Nokuti vatungamiriri vavanhu ava vanovatsaukisa; vanotungamirirwa navo vanoparadzwa.
17. Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti mumwe nomumwe wavo mumhuri waMwari nomuiti wezvakaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvohupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
18. Nokuti zvakaipa zvinopfuta somoto; unopedza rukato neminzwa; zvirokwazvo unopisa matenhere edondo, zvichikwira kudenga iri shongwe youtsi.
19. Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.
20. Mumwe achabvuta kurudyi, asi achava nenzara; achadya kuruboshwe, asi havangaguti; mumwe nomumwe achadya nyama yoruoko rwake.
21. VaManase vachadya vaEfuremu, navaEfuremu vaManase; ivo pamwechete vachamukira vaJudha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.

  Isaiah (9/66)