Isaiah (8/66)  

1. Zvino Jehovha akati kwandiri,"Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, `Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.' "
2. Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupirisiti, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
3. Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri "Mutumidze zita rokuti, `Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.'
4. Nokuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria."
5. Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti,
6. "Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonyatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria;
7. saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose;
8. ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa fuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri."
9. Itai bope, imi ndudzi, muputsweputswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe.
10. Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari anesu.
11. Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
12. Musati, "Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
13. "Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
14. Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu."
15. Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
16. Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.
17. Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka.
18. Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
19. Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:" Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
20. Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
21. Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
22. Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.

  Isaiah (8/66)