Isaiah (7/66)  

1. Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda.
2. Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, "VaSiria vava pakati pavaEfuremu." moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.
3. Zvino Jehovha akati kuna Isaya, "Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo;
4. undoti kwaari, `Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.' "
5. Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti,
6. "Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri."
7. "Zvanzi naIshe Jehovha, lzvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki.
8. Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;
9. musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.' "
10. Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti,
11. "Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira."
12. Asi Ahazi akati, "Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha."
13. Akati, "Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here?
14. Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri.
15. Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka.
16. Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo.
17. "Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria."
18. Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria.
19. Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose.
20. Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.
21. Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri;
22. zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi.
23. Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa.
24. Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.
25. Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo.

  Isaiah (7/66)