| ← Isaiah (7/66) → |
| 1. | Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda. |
| 2. | Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, "VaSiria vava pakati pavaEfuremu." moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo. |
| 3. | Zvino Jehovha akati kuna Isaya, "Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo; |
| 4. | undoti kwaari, `Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.' " |
| 5. | Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti, |
| 6. | "Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri." |
| 7. | "Zvanzi naIshe Jehovha, lzvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki. |
| 8. | Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi; |
| 9. | musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.' " |
| 10. | Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti, |
| 11. | "Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira." |
| 12. | Asi Ahazi akati, "Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha." |
| 13. | Akati, "Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here? |
| 14. | Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri. |
| 15. | Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka. |
| 16. | Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo. |
| 17. | "Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria." |
| 18. | Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria. |
| 19. | Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose. |
| 20. | Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu. |
| 21. | Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri; |
| 22. | zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi. |
| 23. | Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa. |
| 24. | Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa. |
| 25. | Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo. |
| ← Isaiah (7/66) → |