Isaiah (66/66)    

1. Zvanzi naJehovha, "Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?
2. Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
3. "Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
4. Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi."
5. Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, "Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, `Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa. '
6. Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, inzwi raJehovha rinotsiva vavengi vake.
7. "Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika.
8. "Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
9. Zvanzi naJehovha, `Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here?' Ndizvo zvinotaura Mwari wako.
10. "Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida, farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema;
11. kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro.
12. Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.'
13. "Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu.
14. Muchazviona, moyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake
15. Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
16. Nokuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
17. Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha.
18. Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu.
19. Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi.
20. Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namakamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana valsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
21. Ndichatorawo vamwe vavo vave vapirisiti navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha.
22. Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha.
23. Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
24. Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.

  Isaiah (66/66)