| ← Isaiah (64/66) → |
| 1. | Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu, |
| 2. | sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu! |
| 3. | Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu. |
| 4. | Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira. |
| 5. | Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here? |
| 6. | Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo. |
| 7. | Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu. |
| 8. | Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu. |
| 9. | Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu. |
| 10. | Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo. |
| 11. | Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa. |
| 12. | Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here? |
| ← Isaiah (64/66) → |