| ← Isaiah (62/66) → |
| 1. | Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta. |
| 2. | Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha. |
| 3. | Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako. |
| 4. | Hauchazonzi, "Musiyiwa;" nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi "Hefizibha," nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa. |
| 5. | Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira. |
| 6. | Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara, |
| 7. | uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika. |
| 8. | Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, "Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira; |
| 9. | asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene." |
| 10. | Pindai, pindai napamusuo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza. |
| 11. | Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, "Udzai mukunda waZiyoni, muti, `Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.' " |
| 12. | Vachavatumidza zita rinonzi "Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, `Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.' " |
| ← Isaiah (62/66) → |