Isaiah (62/66)  

1. Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.
2. Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.
3. Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
4. Hauchazonzi, "Musiyiwa;" nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi "Hefizibha," nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa.
5. Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
6. Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara,
7. uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
8. Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, "Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira;
9. asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene."
10. Pindai, pindai napamusuo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
11. Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, "Udzai mukunda waZiyoni, muti, `Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.' "
12. Vachavatumidza zita rinonzi "Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, `Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.' "

  Isaiah (62/66)