| ← Isaiah (61/66) → |
| 1. | Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; |
| 2. | kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema; |
| 3. | kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe. |
| 4. | Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi. |
| 5. | Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. |
| 6. | Asi imi muchanzi vapirisiti vaJehovha vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo. |
| 7. | Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi. |
| 8. | Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo. |
| 9. | Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha. |
| 10. | Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake. |
| 11. | Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose. |
| ← Isaiah (61/66) → |