Isaiah (60/66)  

1. Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
2. Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.
3. Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.
4. Ringira kwose-kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.
5. Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, moyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.
6. Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzemakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
7. Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondobwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paaritari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.
8. Ndivana aniko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindo ezvirugu zvadzo?
9. Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.
10. Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.
11. Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
12. Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.
13. Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
14. Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi-pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, "Guta raJehovha, Ziyoni roMutsvene waIsiraeri."
15. Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu aipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji.
16. Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndini moponesi wako, noMudzikunuri wako, waMasimbaose waJakobho.
17. Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.
18. Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, "Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo."
19. Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako.
20. Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma.
21. Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
22. Muduku achava chiuru, akadukupa achava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.

  Isaiah (60/66)