Isaiah (6/66)  

1. Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.
2. Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
3. Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, "Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake."
4. Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
5. Ipapo ndikati, "Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakan’ora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakan’ora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo."
6. Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,
7. Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa."
8. Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, "Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera?" Ipapo ndakati, "Ndiri pano ini, nditumei."
9. Iye akati, "Enda, unondoudza vanhu ava, uti, `Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.'
10. Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe."
11. Zvino ndakati, "Ishe kusvikira rinhiko?" Akapindura, akati, "Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
12. kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.
13. Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo."

  Isaiah (6/66)