Isaiah (59/66)  

1. Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;
2. asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.
3. Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogunu’nuna zvakashata.
4. Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
5. Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuwe; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.
6. Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
7. Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.
8. Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.
9. Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima bedzi; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.
10. Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kwosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.
11. Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.
12. Nokuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:
13. Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
14. Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.
15. Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa.
16. Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.
17. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguvo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.
18. Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva.
19. Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
20. "Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho," ndizvo zvinotaura Jehovha.
21. "Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo" ndizvo zvinotaura Jehovha, "Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi" ndizvo zvinotaura Jehovha.

  Isaiah (59/66)