Isaiah (55/66)  

1. Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, noasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo. .
2. "Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze nezvakakora.
3. Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.
4. Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.
5. Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
6. "Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedo.
7. Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
8. Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
9. Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10. "Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya,
11. ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.
12. Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira.
13. Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirite; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi."

  Isaiah (55/66)