Isaiah (54/66)  

1. "Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa."Ndizvo zvinotaura Jehovha."
2. Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
3. "Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.
4. Usatya , nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.
5. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.
6. "Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.
7. Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.
8. Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.
9. Nokuti izvi zvakaita semvura yaNoa kwandiri; nokuti sezva ndakapika kuti mvura yaNoa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
10. Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
11. "Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
12. Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuo ako ne-kabhunakeri*, nomuganho wako wose namabwe anofadza.
13. Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.
14. Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakungaswederi kwauri.
15. Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
16. Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
17. Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndo kwangu ndizvo zvinotaura Jehovha."

  Isaiah (54/66)