| ← Isaiah (54/66) → | 
| 1. | "Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa."Ndizvo zvinotaura Jehovha." | 
| 2. | Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako. | 
| 3. | "Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe. | 
| 4. | Usatya , nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako. | 
| 5. | Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose. | 
| 6. | "Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako. | 
| 7. | Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza. | 
| 8. | Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako. | 
| 9. | Nokuti izvi zvakaita semvura yaNoa kwandiri; nokuti sezva ndakapika kuti mvura yaNoa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka. | 
| 10. | Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe. | 
| 11. | "Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri. | 
| 12. | Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuo ako ne-kabhunakeri*, nomuganho wako wose namabwe anofadza. | 
| 13. | Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako. | 
| 14. | Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakungaswederi kwauri. | 
| 15. | Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako. | 
| 16. | Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze. | 
| 17. | Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndo kwangu ndizvo zvinotaura Jehovha." | 
| ← Isaiah (54/66) → |