Isaiah (53/66)  

1. Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?
2. Nokuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
3. Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.
4. Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
5. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.
6. Isu tose samakwai, takanga takarasika , takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; vuye Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
7. Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
8. Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nokuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kwokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.
9. Akaita bwiro bwake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.
10. Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.
11. Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.
12. Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

  Isaiah (53/66)