Isaiah (52/66)  

1. Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
2. Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
3. Nokuti zvanzi naJehovha "Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari."
4. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
5. Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6. Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini."
7. Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, "Mwari wako anobata ushe!"
8. Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
9. Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
10. Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
11. Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.
12. Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
13. Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
14. Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
15. saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.

  Isaiah (52/66)