Isaiah (50/66)  

1. Ndizvo zvinotaura Jehovha, "Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kwokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
2. Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa , Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nokuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
3. Ndinofukidza matenga nokusviba, Ndinoita masaga ave chifukidziro chawo.
4. Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta ; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
5. Ishe Mwari wakadziura nzeve dzangu,vuye handina kupanduka kana kudzokera shure.
6. Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
7. Nokuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
8. Ari pedo iye unondiruramsa; ndiani acharwa neni?Ngatimirei pamwechete, Ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri.
9. Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo;zvipfunho. zvichavadya.
10. Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake. "
11. Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.

  Isaiah (50/66)