Isaiah (5/66)  

1. Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemizambiringa pachikomo chakaorera;
2. akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo mizambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino akatarira kuti ubereke mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa ebundo.
3. Zvino imi mugere Jerusaremu navarume vaJudha, ndinokumbira kuti motonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa.
4. Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa ebundo?
5. Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa, Ndichabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe;
6. ndichauparadza; haungarangurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
7. Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
8. Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasina nzvimbo, kusvikira imi mogara muri moga panyika.
9. Jehovha wehondo anotaura munzeve dzangu, achiti, "Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo.
10. Nokuti maeka ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwechete, nehomeri rembeu richabereka efa imwechete."
11. Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro.
12. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.
13. Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota.
14. Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
15. Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa, nameso avanozvikudza akaninipiswa.
16. Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
17. Ipapo makwayana achafura saanenge ari pamafuro, awo vanodzungaira vachadya makura avafumi.
18. Vane nhamo vanokweva zvakaipa nerwodzi rwenhema, nezvivi sezvinenge namabote engoro;
19. vanoti, "Ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake, kuti tizvione; zvakafungwa noMutsvene wavaIsiraeri ngazviswedere, kuti tizvizive."
20. Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
21. Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere.
22. Vane nhamo vakaita mhare pakunwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata;
23. vanoti akaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake.
24. Naizvozvo murazvo womoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakawoma sezvahunongoperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchaora, ruva ravo richatorwa kumusoro seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha wehondo, nokushora shoko roMutsvene waIsiraeri.
25. Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
26. Achasimudzira marudzi anobva kure mureza, nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.
27. Hapana achaneta kana kugumburwa pakati pavo; hakuna achakotsira kana kuvata; bhanhire rezviuno zvavo haringasunungurwi, rukanda rweshangu dzavo harungadambuki.
28. Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mazondo amabhiza avo achaita somusara, namavhiri engoro dzavo sechamupupuri;
29. kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavomba savana veshumba; zvirokwazvo vachavomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
30. Nezuva iro vachavaombera sokutinhira kwegungwa; kana munhu akatarira nyika, achaona rima nokutambudzika; chiedza chichasvibiswa namakore ayo.

  Isaiah (5/66)