Isaiah (49/66)  

1. Ndinzwei, imi zviwi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
2. akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake;
3. akati kwandiri, "Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari. "
4. Asi ndakati, "Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu."
5. Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakobhozve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu);
6. zvirokwazvo, iye akati, "Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika."
7. Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa , kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, "Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda. kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura."
8. Zvanzi naJehovha, "Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
9. kuti uti kuna vakasungwa, `Budai;' nokuna vagere murima, `Zviratidzei.' Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko.
10. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura.
11. Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa.
12. Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi."
13. Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
14. Asi Ziyoni rakati Jehovha akandisiya, Ishe akandikanganwa."
15. "Ko mukadzi angakanganwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakanganwa zvavo, asi ini handingakukanganwi.
16. Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.
17. Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
18. "Ringira kwose-kwose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
19. "Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
20. Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, `Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.'
21. Ipapo uchati mumoyo mako, `Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose-kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?' "
22. Zvanzi naIshe Jehovha, "Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.
23. Madzimambo achava varerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi."
24. Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?
25. Asi zvanzi naJehovha, "Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nokuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
26. Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakobho."

  Isaiah (49/66)