Isaiah (48/66)  

1. Inzwai izvi, imi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.
2. (Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).
3. "Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
4. Nokuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;
5. naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, `Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.'
6. Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.
7. Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, `Tarirai, ndaizviziva.'
8. Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
9. Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.
10. Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvoto yokutambudzika.
11. "Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
12. "Nditeerere, iwe Jakobho, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.
13. Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
14. "Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikanwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava "pamusoro" pavaKaradhea.
15. "Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
16. "Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire;" kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.
17. Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri, "Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.
18. Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!
19. Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu."
20. Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, "Jehovha akadzikunura muranda wake Jakobho."
21. Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.
22. Zvanzi naJehovha, "Vakaipa havana rugare."

  Isaiah (48/66)