| ← Isaiah (47/66) → |
| 1. | Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasine chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi unoundere nechidikanwa. |
| 2. | Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe rako, fukura gumbo rako, yambuka nzizi. |
| 3. | Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu. |
| 4. | Mudzikunuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene walsiraeri. |
| 5. | Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi Vahosi hwovushe huzhinji. |
| 6. | Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana. |
| 7. | Ukati, "Ndichava vahosi nokusingaperi;" naizvozvo hauna kuisa zvinhu izvi muhana yako, hauna kurangarira kuguma kwazvo. |
| 8. | Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unozvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumoyo mako "Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana." |
| 9. | Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun’anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda. |
| 10. | Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, "Hakuna anondiona;" wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumoyo mako, "Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu." |
| 11. | Nezvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi. |
| 12. | Zvino uya nouroyi hwako noun’anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungava nepundutso. |
| 13. | Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira. |
| 14. | Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto wokudziya. |
| 15. | Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa. |
| ← Isaiah (47/66) → |