| ← Isaiah (44/66) → |
| 1. | "Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura, |
| 2. | zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, `Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura. |
| 3. | Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako; |
| 4. | vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.' |
| 5. | "Mumwe achati, `Ndiri waJehovha,' mumwezve achazvitumidza nezita raJakobho, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, `Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri.' " |
| 6. | Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, "Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. |
| 7. | Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo. |
| 8. | Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi." |
| 9. | Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe. |
| 10. | Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu? |
| 11. | Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete. |
| 12. | Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, ndokuziya. |
| 13. | Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso , ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba. |
| 14. | Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa. |
| 15. | Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira. |
| 16. | Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, "Haiwa, ndadziya, ndaona moto." |
| 17. | Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, "Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu." |
| 18. | Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa. |
| 19. | Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, "Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?" |
| 20. | Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, "Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?" |
| 21. | Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsiraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni. |
| 22. | Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikunura. |
| 23. | Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikunura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri. |
| 24. | Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, "Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?) |
| 25. | Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi. |
| 26. | "Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, `Richagarwa navanhu,' napamusoro pamaguta aJudha, `Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;' |
| 27. | iye anoti kumvura yakadzika, `Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,' |
| 28. | iye anoti pamusoro paKoreshi, `Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza,' kana achiti pamusoro peJerusaremu `Richavakwa,' uye pamusoro petemberi, `Nheyo dzako dzichateyiwa.' |
| ← Isaiah (44/66) → |