Isaiah (43/66)  

1. Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, "Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
2. "Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.
3. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
4. "Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
5. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;
6. ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;
7. mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita."
8. Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.
9. Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, "Ichokwadi."
10. Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
11. Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
12. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13. Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?"
14. Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, "Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
15. Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu."
16. Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;
17. anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
18. Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.
19. Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
20. Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nokuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vanwe,
21. ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
22. Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.
23. Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira.
24. Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
25. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
26. Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.
27. Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.
28. Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakobho ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.

  Isaiah (43/66)